Mabvira kana zvibvira (truth) kureva chokwadi.

Mumuromo momukuru munonhuwa kamwe, mangwana munoreva zvibvira. The mouth of an elder smells once, the next day it speaks the truth. Kureva kuti - Zvinogarotaurwa navanhu vakuru vachiyambira munhu ndizvo zvinowanzoitika kana akasazviterera. Vakuru havarevi zvinhu zvenhando, kazhinji zvavanoreva ndizvo zvinowanzoitika.