Zvose (kana zvese) ndizvo zvose zviriyo; zvinopesanisana ne Upasina, kana kuti muzeredzwa wayo. Kuti zvose zvinoreva kuzara kwe zvinhu zvinoenderana nemusoro wenyaya. Pasina kutaurwa kana kurevwa miganhu, inogona kureva chero chinhu. Rudunhumwe (kana yunivhesi) ndicho chinhu chiri chose chiripo murugorokodzwa, kunyangwe zvazvo marutunhumwe (kureva marutivhesi) richivapo zvichienderana ne gorokodzwa rwe mavuko eUnenachadenga (kureva kozemoroji). Inogona kureva maoneroepasirese ehuisavanhupakati (anthropocentric),[1] kana hwerengedzo ye ruzivo rwevanhu, nhoroondo, uye mamiriro evanhu zvachose.[2] Chese chinhu uye chiro chechikamu chezvose, kusanganisira yese mwiri ye nyama uye mune dzimwe nguva zvinhu zvese zvisingaoneki.

mfananidzo we Yunivhesi kana Rudenganenyika (yunivhesi)

Skopu chinjirudza

Mukurukurirano enguva dzose, iko kuti zvose zvinowanzo kunongedzera kumubatanidzwa wezvinhu zvine chokuita nemisoro yenyaya iri kukurukurwa bedzi. Kana pasina ganhuriro inotaurwa, shoko rokuti zvose ringagonazve kushandiswa kurukigwa rudunhuwe, kana kuti pasirose.

Rudunhumwe zvinonyayo tsanangurwa sechinhu chose chiriyo: nguva yose, mhando dzesebhe dzose, ito (eneji) uye runhanhira, uye mitemo ye fundoyetsimba nemasipitire anomatonga. Nekudaro, izwi rokuti "Rudunhumwe" rinogona kushandiswa mune zvakasiyana zvishoma, zvichireva pfungwa dzakadai se rhadenga (kureva kozemosi), pasirose kana chizvarirwo. Maererano nedzimwe fungidziro, rudunhumwe rino rinogona kunge riri rimwe redzakawanda dzisingabatanidzwi, izvo pamwe chete zvinorondedzerwa semarutunhumwe. Mugorokodzwa re rudunhumwe rwe bhabhuro, mune marudunhumwe asingaverengeki uye akasiyana-siyana, chimwe nechimwe chine zvimiro zvemwiri zvakasiyana. Mune gorokodzwa yakawanda-ye pasirose, matenga matsva anoburitswa nehuyero hwese hwe huwandu. Netsanangudzo, fungidziro idzi hadzigone kuyedzwa pari zvino, asi, kana matenga akawanda aripo, angangove ari chikamu chezvese.

Kunyanya mumamiriro ezvovuzviro (kureva metafizikisi), Nyika inogona kureva kune zvese zvinoumba vudi uye Rudunhumwe: ona Pasirose (ugondamano). Nekudaro, pasirose inogona kureva Rinopasi "basi" inoonekwa kubva sehuisavanhupakati kana ye maoeneroepasirose evanhu, senzvimbo nevanhu.

Kuumba mutauro chinjirudza

  • Ito (eneji)
    • kuChingezi rinoreva kuti basa kana kuti chiito, chekuita. Saka 'ito' ririkuturikirwa eneji kuti simba ne ito ne nguzvu (pawa) zvikwanise kutsauraniswa.

Ringai zve: chinjirudza

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. http://www.merriam-webster.com/dictionary/everything
  2. "This is the excellent foppery of the world..." — Shakespeare, King Lear,