Bhahari Tema (kureva black sea) inyanza rinobatirana neGungwa re Atlandiki yakachingana nematunhu makuru eYuropu neEzhiya. Kumadokero kwenyanza iyi kune Mabharukani, kumusoro kune Mapani eku Mabvazuva kwe Yuropu, kumabvazuva kwayo kune Kaukasi, uye kuchamhembe kune Anatoria. Rakagomberedzwa ne Bhurugariya, Romania, Vukireni, Rhashiya, Jojiya ne Turuki. Bhahari Dema rinodirwa ne nzizi huru, pachimosi Dhanube, Dhiniperi (kureva Dnieper), uye Dhoni (kureva Don).