Kaukasi

Caucasus topographic map-ru.svg

Kaukasi (Chingezi. caucasus) Kawukasi kana Kaukasia, ichisi chiripakati peBhahari Tema uye Bhahari re Kaspiya; rinonyanya sanganisa Arumeniya, Azeribhaijani, Jojya, uye zvikamu zve Chamhembe che Rhashiya. Makomo e Urawu, anosanganisa mandundu ye Ukuru we Kaukasi, akagara kubva munhoroondo achinzi ibheriya rekusikwa riripakati pe Mabvazuva e Yuropu ne Madokero e Ezhiya.

Gomo re Eubrusi (Elbrus) muRhashiya, ndiro gomo refu-refu reYuropu, riakagara kuKaukasi re Madokero. Kudivi reuchamhembe, Leseri Kaukasi (kureva Lesser) rinosanganisa Javhakheti Platuwu uye Matundumadzi e Arumeniya, chikamu chayo chiri muTuruki.

Kaukasi rakapamburwa muzvikamu zviyiri Kaukasi Maodzanyemba ne Kaukasi Chamhembe, kunyangwe Kaukasi re Madokero riripo senzvimbo ye chitaranyika yakazvimirira mukati me Kaukasi Maodzanyemba. Ndundu re gomo re Ukuru we Kaukasi ririkumaodzanyemba rinogovevwa ne Rhashiya uye Jojya uyezve zvikamu zvemaodzanyemba-nyemba e Azeribhaijani.