Bote izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe.

  • Vanhu vane zita iri: Tanaka Bote; Yevai Bote; Ruzvidzo Bote; Karen Bote.
  • Bote, rupote kana mapote (Stout woven rope. Cincture, gird; cord) itambo yakarukwa inosungwa yakapotera muchiuno.

Mitauro yeBantu

chinjirudza

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • Nyanja inoti chipote (round string of beads worn around the neck legs, arms or waist) zvichireva bote. Apa kureva tambo ina kana kudarika dzinoposanidzwa dzotungwa chuma, mapote aya achizopfekwa muchiuno.
  • Kikongo vanoti mpota (n. coil; a large coil).
  • Basotho vanoti lebote kana mabote pakuwanda (n. wall) vachireva madziro.