Charumbira izita rinowanikwa muZimbabwe. Kurumbira zvinoreva kuva nemukurumbira; - saka Charumbira izita rakapuwa Mambo Mudavanhu mwana waChainda werudzi ravana Shumba Sipambi vakaita mambo aiva nemukurumbira ari mwana mudoko (sezvo aiva gotwe) kusvika vanzi Charumbira.

  • Vanhu vane zita iri: Nyaradzo Charumbira; Tafara Charumbira; Olivia Charumbira; Chief Fortune Charumbira.

Mitauro yeAfrika chinjirudza

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeAfrica, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Pane tarisiro yekuti mitauro yeAfrika inotodzana mazwi.

  • MaZulu vanoti lumba (thank) kureva kupa kutenda. Mamwe mazwi: lumbila (v. thank, express gratitude, praise) kureva kupa kutenda.
  • Chewa vanoti kulumbira (adjure - to bind on oath), kureva kupika kana kuita mhiko. Mamwe mazwi: olumbirira (adjurer - one swearing an oath), kureva uyo ari kupika mhiko.
  • Mambwe vanoti -lumbisya (make famous, renowned; glorify, praise highly) kupa mukurumbira. Mamwe mazwi: -lumbilizya (1. talk well or ill of, give a person a good or bad reputation; 2. to mention).
  • Herero vanoti rumbira (v. cock as a gun, to bend the bow) kukoka pfuti. Mamwe mazwi: rumba uta (v. bend the bow; draw a bow). Rumbira (v. tie tightly).