Kukwata Zvokudya

(runangakatsva kubva kuChigaravakwati)

Kukwata zvokudya kana kuruwa zvinoreva tsika yekudya mudzimba dzevamwe usina kukokwa.

  • Maruwo kana makwato (Place other than one's home where one goes for free food) kureva imba isiyako yaunoenda kunodya chokudya pasina muripo. Munhu akadai anonzi ane rukwato kana kuti iye muruwi - ane musambo wekukwata kana kuruwa.
  • Chigaravakwati chigaro chiiri sei kwegonhi reKicheni - pfungwa iri pazita iri nderekuti chaigara vanhu vanenge vauya kuzokwata sadza.
  • Karuwo izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • MaZulu vanoti phanza (Beg for food in famine time; sponge on others) vachireva kukwata zvokudya.
  • MaZulu vanoti imphanza kana izimphanza (Sponger, one who hangs around for food.) vachireva mukwati.
  • MaZulu vanoti isiphanzi kana iziphanzi (Sponger, beggar.) vachireva mukwati.