Chimanyika
|
Chimanyika ibazi remutauro weChiShona. Chinotaurwa kumabvazuva kwenyika ye Zimbabwe mudunhu reManicaland. Guta guru riri mudunhu iri rinonzi Mutare. Chinhu chikuru chakanyanya kusiyana pakati peChiManyika nemamwe mapazi emutauro weChiShona matauriro (pronounciation) uye nekuti muBumbiro remabhi e Chimanyika haina -no- uye -va-. Sekuti pese panoiswa "no" mune mamwe mapazi echi Shona panoiswa "ngo" se muyenzaniso;
Ndinoda vanoti Ndingoda Ino mhanya vanoti ingo mhanya, zvichingo daro
- Zvimwechetezvo panoiswa "va" ivo vanoisa "wa"
Semuyenzaniso
- Vanhu vanoti wanhu
- Vachida kuti vana vakauya vakawanda ivo vanoti wana wakauya wakawanda
ChiManyika chino patsanurwawo mune mamwe mapazi anoti chiNdau, ChiMaungwe, ChiBocha neChiManyika.
Mitauro ye Chibantu
chinjirudza- VaNyakyusa neVaGanda vanoti kumanya (to know) kureva kuziva.
- VaZigula neVaNyakyusa vanoti kumanyika (to be known; be understandable; to be knowable; be famous) kureva kuzivikanwa.
- VaNyakyusa vanoti kumanyila (to learn) vachireva kudzidzira.
- VaDigo neVaYao vanoti manya (to know) kureva kuziva. Sokuti Unammanya mutu hiyu? (Do you know this person?).
- VaDigo vanoti manyikana (to be known) kureva kuzivikanwa.