Chayina
(runangakatsva kubva kuChina (nyika))
Chayina (kuChingezi: China) kana Chaina inyika iri kumabvazuva kweEzhiya. Iyi ndiyo nyika ine vanhu vakawanda zvakanyanya Pasirose. Mugore ra2012 huwandu hwevanhu muChina hunosvika 1.3 billion. MuChichayina inonzi 中国 (Zhōngguó; zvichimirira kuti 'Nyika yepakati; uye Umambo hwepakati).


Vambo rezita chinjirudza
Shoko rinozivikwa mu Chirungu se 'China' (Shona: Chayina) raishandiswa muChirungu kubva muzana ramakore rechi16 (16th Century); zvisinei, rakanga risiri shoko raishandiswa neMachayina pachawo panguva iyi nenguva. Matangiro aro akabva ku Chiputukezi, Chimalayi (kana Chimalay), neChipezhiya zvichidzokera kushoko reChisaniskiriti (Sanskrit) rekuti 'Chīna', raishandiswa muIndiya yekare.[1]
Mumitauro ye chiBantu chinjirudza
- Vatsonga vanoti Chayina.
- Vazulu neVaxhosa vanoti iShayina
- Vangala (kana Valingala) vanoti Sína
- Vakongo vanoti Sina
- Vaswahili vanoti Uchina kana Sina, asi zita refu reChayina vanoriti 'Jamhuri ya Watu wa China' vachireva kuti 'Ripabhuriki ye vanhu veChayina'.