Chitaka
Chitaka kana chiropa (Liver in English) inhengo yakakosha yemuviri inowanikwa pamhuka dzine muzongoza nedziwewo ndudzi dzemhuka. Nhengo iyi inemabasa akawanda anosanganisira:
- Kubvisa tsvina inenge yakatakurwa neropa kubva mumuviri.
- Kuumba protein.
- Kugadzira mishonga inodikanwa pakuwotesa chikafu.
Chitaka chinotodiwa kuti munhu ararame, pari zvino hakuna nzira yokutsiva kusavepo kwechitaka kwenguva yakareba. Kusukwa kweropa muChipatara kunochenesa ropa kwenguva pfupi.
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Chitaka (Strong material) vachireva nhumbi yakasimba.