Dara reChibage (a storage platform for harvested crops especially maize) chivakwa chinoshandiswa kuchengetera chibage chisati chapurwa. Chivakwa ichi chine hwaro hwakagadzwa pamabwe kana pambiru dzine mhandi dzakadzimikirwa pasi; pahwaro panowarikwa matanda matete anovharwa nehuswa hwekupfirira; kumativi mana kunotungwa mbariro dzichipingana nematanda matete. Pakati pematanda nembariro panovharwa nehuswa hwekupfirira.

  • Hwarasanza kana dara (platform, scaffold, table) kutaura chivakwa chiri pakakwirira chine mapango akatsigira sedara.

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • VaLenje vanoti wutala (Raised storehouse for grain, granary, store) kureva dara.
  • Tonga vanoti Cisanza (Raised platform to store maize). Bwile vanoti mutali (adj. long) kureva kureba.