Gonga reChamhembe kana kuti Gonga reTaranyika rekuChamhembe ndiko kuturikirwa kweiya inonzi South Pole kuEnglish. Gonga rechamhembe rinotaridza panoburikira akiso yekuzeya kweRinopasi uye riri kuChamhembe mudunhu reAntarctica. Gonga reChamhembe riri parumbariro 90oS. Gonga reChamhembe rezveTaranyika harina kufanana ne Gonga reMagineti rekuChamhembe nokuti iri rinodudzirwa zviri maringe neDandare remagineti yeRinopasi. Kuuzuru kweRinopasi kune Gonga reMaodzanyemba rinowanikwa mudunhu reArctic.


Taranyika chinjirudza

Tichitaura maringe nezvinangwa zvizhinji, Gonga reChamhembe ndiyo poyindi iri kuchamhembe (iyi iri imwe yenzvimbo mbiri) inotaridza panoburikira akiso yekuzeya kweRinopasi. Ringaniso dzeTaranyika dzinopangidza Gonga reChamhembe dzinopiwa dzakanzi 90oS; hunhungo hwaro hauna kududzirwa uye hauna maturo. Kana zvadaro kuti hunhungo hunodiwa, apa hunonyorwa hwakanzi 0o. Kana munhu ari paGonga reChamhembe kwose kwaanotarisa anenge akatarisa kuMaodzanyemba.

Nguva paGonga reChamhembe chinjirudza

Munzvimbo zhinji pane Rinopasi nguva inotodzana nehunhungo hwepo, zvichireva kuti nguva pamusi mumwe inoenderana nepane zuva mudenga - sokuti kana dziri nguva dza-12 masikati zuva rinenge riri pakanyanya kukwira parinogumira. Murangariro uyu haushande paGonga reChamhembe nokuti ikoko zuva rinoyedza uye richizodoka kamwe pagore. Nhungo dzose nemipanda yenguva yose zvinobatana pagonga iri. Pakashaikwa chikonzero chakafanira chekuti nguva paGonga reChamhembe ive inoringaniswa nemipanda wenguva upi zvawo. Kwaaitwa sarudzo yokushandisa mupanda wenguva yekuNew Zealand nokuti Amundsen-Scott South Pole Station inoshandisa nguva yekuNew Zealand - chikonzero chiri chekuti station iyi inoyigirwa nhumbi nemidziyo zvichibva kuChristchurch, New Zealand.