Mukowasimbi

(runangakatsva kubva kuGowasimbi)

Mukowasimbi (Metallurgy) izwi riri kushandiswa pazvinyorwa zvino kuturikira chinonzi metallurgy kuEnglish, zvichireva mabasa nehunyanzvi hwekukohwa simbi mubva mumatombo anocherwa pamugodhi. Munhu wacho ane hunyanzvi hwekukohwa simbi anenge odanwa kunzi makowasimbi, pahuzhinji toti ana makowasimbi.

Kupiwa kweZita chinjirudza

 
Blast Furnace kuSestao, Spain. Furnace iri pakati pemapaipi esimbi

Izwi rokuti metallurgy rakaumbwa nemaviri anoti: metal + ergon; izwi rokuti ergon rinoreva work. KuChiShona izwi rokuti mukowa rinoreva basa - fananidzai nokuti mhizha. Pachinyorwa chino metallurgy yaturikirwa ichinzi mukowasimbi - basa iri rinobatwa nemichina yakakura imwe nguva richida moto wekununisa simbi dzacho kuti dzitsaurwe kubva kumambara nemuchegwa wemanyara. MuZimbabwe kambani dzinoita mukowasimbi dzinosanganosira: Zimplats, RioZim, Metallon, Mimosa, Anglo American nedzimwewo.