Simbi
Matare, dare, utare kana simbi (metal) dzinoonekwa nokukwanisa:
- Kupambadzirwa kuita rata.
- Kuva nehukukutu zvichireva kuti dzakasimba.
- Kuwetsuka kuita waya kana utumbu (pipe paChirungu).
- Simbi zhinji dzinonyauka pahujoto hwakakwirira kudarika 500oC.
- Kuva nehuduma hwakakwirira - kudarika 4000 ton/cubic metre.
- Mutobvu kana chumbu (lead the metal).
Zita rekuti simbi rinowanzo shandiswavo kureva steel kana iron (Fe). Dzimwe mhando dzesimbi dzino sanganisa mhangura, ndarama ne zeng'e.
- Kudinha kana kuredzva zvinoreva kurebenutsa simbi uchiirova nenyundo - lengthing iron by hammering. Mupfuri anodinhidza simbi: a blacksmith beats out iron.
- Mbudzimbembe (Pig iron) apa kureva iron ichangobva mubisiro isina kunatswa kuenda mberi.
- Kuhubunidza (Seek rare object, or one hard to find) zvichireva kufumha kana kufuna-funa. Akaenda kundohubunidza matombo matema kurwizi: he went to search for black stones in the river.
Mipanda yeSimbi
chinjirudza- Simbi dzakaderera (Base metals, low priced e.g. Ni, Cu, Zn). Saka simbi dzeboka iri isimbi dzine mutengo wakaderera.
- Simbi dzeBoka reNdarama (Precious Metals).
- Simbi dzeRudarikira (Transition Metals).
- Simbi Nharangani, simbi hubunidzwa kana Simbi Shomekari (rare metals).
- Simbishungu (metalloids).
Mamwe Mazwi
chinjirudzaMitauro yeBantu
chinjirudza- Nyungwe inoti simbi kana marimba (v. refined or smelted iron) kureva simbi. Baila inoti chela (n. iron. contracted from chiela) vachireva ayoni.
- Bemba inoti nsimbi (flat iron) kureva simbi. VaMaconde inoti shitali (n. iron).
- Lenje inoti utali (iron) kureva utare. VaMambwe inoti mutale (n. iron ore) kureva utare.
- Lozi neVaNyoro dzinoti butale (n. iron ore or any kind of ore). Yao inoti mtapo (metal, iron ore).