Mhangura
|
Mhangura (Nge.: copper) isimbi ine ruvara rwakada kutsvukuruka ichipenya kana kuti kutaima. Zita iri rinofanira kunge rakabva pakuti simbi iyi yakatsvukuruka uyewo nekuti ngura yaka tsvukurukawo kunyangwe hazvo kutsvuka kwacho kusina kufanana. Mu Zimbabwe yaisi cherwa pamugodhi unonzi Mhangura. MuAfurika, Zambia ndiyo iri pamusoro munyaya yekucherwa kwesimbi iyi.
Mhangura ine numeri ye hatomu 29 uye inhangande ye chemushonga ine ratidziko Cu (kubva pashoko roChiratini rokuti Cuprum)