Guyo neHuyo

(runangakatsva kubva kuGuyo)
Guyo zvinoreva hwendefa yedombo yakakwenenzverwa inoshandiswa kukuyira mhodzi dzakaita senzungu kuita dovi. Rimwe dombo diki rinonzi huyo ndiro raishandiswa richikwizira nokupwanya mhodzi kuti dzipwanyike.
  • Guyo (upper millstone in hand grinding) dombo rekumusoro rinoshandiswa pakukuya nemawoko.
  • Huyo (lower millstone in hand grinding) dombo rekuzasi rinoshandiswa pakukuya nemawoko.
  • Dzinda (Small heap of grain on a grinding-stone; 2.little grain to be ground) - apa kureva kamurwi kembesa dziri paguyo. Vamwe vaturi vanoti njera; pita kana zunzu. Vamwe vanodudzira njera vachiti kudya kwakakwanirana nezuva iroro - a day's portion of grain.
  • Morwa (Partially ground meal set aside for occasion when its final grinding will be done).
  • Kumhotsa (Grind to fine powder) apa zvichireva kuotsa pakukuya kana kugaya.
  • Dzinde kana dzinda (Small heap of grain on a grinding-stone).

Kurerutsa Mutauro

chinjirudza
  • Kuya uchimhotsa: grind finely.
  • Mhondo kana nhombo (Small upper grindstone for snuff) apa kureva huyo ndiki inokuyiswa fodya yemumhuno. Manhombo rikagova zita remhuri.
  • Kwaunobva kanda huyo, kwaunoenda kanda huyo.

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • MaZulu vanoti isiseko (Small, hard stone used for roughening the surface of the grindstone and for supporting it when rickety).