Gweru (yainzi Gwelo kusvika 1982) iguta riri pakati peZimbabwe riri paMbariro yeTaranyika neMutambariko weTaranyika 19°25′S 29°50′E / 19.417°S 29.833°E / -19.417; 29.833. Gweru ine vagari 146,073 (2009), zvoreva kuti ndiro guta rechitatu pahugari hwevanhu muZimbabwe. Gweru ndiro gutaguru reProvince yeMidlands. Gweru yakavambwa mugore 1894 naDr. Leander Starr Jameson. Bhanga rekutanga rakavhurwa 1896, Stock Exchange yakaveko 1898. Njanji yakasvika mugore 1902. Gweru yakava Municipality muna 1914, yakava guta muna 1971. Zita rakasandurwa kuti inzi Gweri mugore 1982.

Gweru (2011)

MuGweru ndimo mune Thornhill Air Base, Zimbabwe Military Museum neAntelope Game Park. Rusvingo rweNalatale nerwe Danangombe zviri pedyo neGweru, nzvimbo idzi dzinozivikanwa nekuvakwa kwezvidziro zvine matombo akarongwa zvinoyevedza uye nemidziyo yakasiyiwa yemaPortuguese.

Mugore ra1928 mugari weGweru ainzi Mai Jean Boggie wakavakisa nharire yeBoggie Clock Tower senzira yekurangarira murume wake akanga ashaya. Nharire iyi iriko nanhasi yava chishongo chinozivikanwa chinoonekwa muGweru.

Hushangazhi chinjirudza

Hushangazhi uri muGweru unosanganisira Zimbabwe Alloys, Bata Shoe Company (yakavambwa muna 1939) ne Anchor Yeast inova yega kambani inogadzira yeast muZimbabwe. Guta reGweru riri munzvimbo yakanakisa kwazvo kuchengeta mombe: kurma kunoitwa munharaunda yeguta kunotevera hushangazhi hwemombe (zvese hwemombe nemukaka). Cold Storage Commission ine nzvimbo yekuuraya mombe muGweru. Maruva anorimwawo munharaunda yeguta kuti atengeswe kudzimwe nyika.

Hugari chinjirudza

Zvinofungwa kuti muGweru munova nevanhu 300,000 vanogaramo asi vanokwanisa kupfurikidza nhamba iyi sezvo vanhu vazhinji muZimbabwe vanochengeta umwe musha kumaruzevha. Nekuti inogara pakati pematunhu emaShona nemaNdevere, vanhu vakawanda muGweru vanogona kutaura zvese chiShona ne chiNdevere asi chiShona chinotaurwa nevazhinji kwozoita 30% yehugari inotaura chiNdevere.

Dzidzo chinjirudza

Sisitemu yedzidzo yepuraimari nesekondari haina kushandirwa zvakanyanya mumakore apfura. Zvikoro muGweru zvinotevedza sisitemu yedzidzo yemaBhuritishi senyika yese. Vadzidzi vanopedza makore manomwe varikupuraimari nemana (O'level) kana matanhatu (A'level) varikusekondari zvichitemba nekuti vanoda kudzidzo yakaita sei.

Mutauro chinjirudza

  • gweru (ideophone of Becoming dry especially cooked food). Sokuti - Munashe andipa chigweru chenyama yenzou - Munashe gave me a piece of dried elephant meat.
  • Gweru kana hweru (Aardvark or antbear).

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Lugwere vanoti bweru (n. 1. whiteness; 2. Metaphor. transparency, honesty, integrity.) kureva huchena.