Hondo yeZvombo zveShomwe

Hondo yeZvombo zveShomwe zvinoreva kurwa hondo inoshandiswa zvombo zveshomwe nechinangwa chekuparadza muvengi zvakanyanyisisa. Zvombo zveshomwe zvinoparadza nzvimbo yakakura munguva ndiki. Takatarisana nenhoroondo yadzo hondo, parizvino kwakashandiswa zvombo zveshomwe zviviri, zvose zvakadonhedzerwa pamaguta ekuJapan nemawuto eUnited States apo Hondo yePasirose yeChipiri yanga yosvika pakupera. Musi waAugust 6, 1945 bhomba rakasenga Uranium rakadhurwa kuJapan muguta reHiroshima. Mushure memazuva matatu bhomba rakasenga Plutonium rakadhuurwa kuJapan zvakare muguta reNagasaki. Zvombo zveshomwe zviviri izvi zvakauraya vanhu vanosvika chifo che 200,000 vakanga vakuvadzwa zvakaipisa nekudhuuka kwawo.

Hohwa hwegore hwakakwira 11 km apo chombo cheshomwe chadonhedzwa kuNagasaki musi waAugust 9, 1945


Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Izwi rokuti nucleus rakabva pazwi reLatin rokuti nuc rinoreva little nut, kernel or core - apa kuchirehwa chikamu chenzungu chakapfava, chinodyiwa chisiri mateko. Saka pano kuturikira kernel kuChiShona tinenge toti shomwe kana kuti usomo. Usomo kana kuti shomwe zvinoreva mhodzi dzinowanikwa mukati memateko enzungu kana pakati petsongoro pamichero yakadai sehacha kana pfura - idzi dziri mhodzi dzakapfava uye dziine mafuta.