Ignatius Tirivangani Mabasa (wakazvarwa muna1971) munyori wemuZimbabwe, sarungano uyezve muimbi, anonyanyonyora neChishona.

Akazvarwa kuMount Darwin uye akadzidza paYunivhesiti yeZimbabwe. Zvinyorwa zvake zvine mukurumbira zvinosanganisira Mapenzi (1999) naImbwa yemunhu (2013).[1] Akawana mubairo mune zvekunyora mabhuku yakawanda inosanganisira NAMA, akapinda muZimbabwe 75 Best Books uye Mubairo weZIFF nefirimu rake.

Zvinyorwa zvatorwa mashoko:

  • Tipeiwo Dariro (1993)
  • Mapenzi (1999)
  • Muchinokoro Kunaka (2004)
  • Ndafa Here? (2008)
  • Imbwa yemunhu (2013)
  1. Tinashe Muchuri Reviews Mabasa’s “Imbwa Yemunhu", Munyori Literary Journal, 25 September 2013.

Category: Vanyori