Yunivhesiti yeZimbabwe

Yunivhesiti ye Zimbabwe chikoro chinobvumira chaunga chakavhurwa mugore ra 1952 chichinzi Yunivhesiti College ye Rhodesia ne Nyasaland pakutanga. Chakazochinjwa zita kunzi Yunivhesiti ye Rhodesia asi panguva yakawana Zimbabwe rusununguko muna 1980 chakazopihwa zita rinoshandiswa panguva ino. UZ, sekuzivikanwa kwachinoitwa neveruzhinji, ndiyo Yunivhesiti ine mukurumbira parizvino muZimbabwe.

University of Zimbabwe
Aimbova mazita ayo Yunivhesiti College ye Rhodesia ne Nyasaland

Yunivhesiti College ye Rhodesia Yunivhesiti ye Zimbabwe Rhodesia (1979)

Motto Knowledge, Diligence, Integrity
Rudzi Yeruzhinji
Gore rakavhurwa 1952
Mukuru mukuru Emmerson Mnangagwa

(Vari mutungamiriri weZimbabwe sezvinorehwa nepariamente)

Ari pasi pemukuru Paul Mapfumo
Vanoshandira ipapo 140 mapurofesa, 545 vadzidzisi, 155 vadzidzisi uyezve vanobatsira paunganidzo yetsvakiridzo (2018)
Undergraduates 17,718
Postgraduates 2681
Kwainowanikwa Mount Pleasant, Harare

, Harare Province , Zimbabwe

Nzvimbo yairi Kumasebhabha
Zita rinemukurumbira UZ
Website www.uz.ac.zw

Yunivhesiti yeZimbabwe inowanikwa muguta reHarare uye ndiyo yunivhesiti yekutanga munyika. Ine vadzidzi vanosvika zviuru gumi nerimwe uye inopa zvidzidzo pasi pemafaculty gumi: yezveKurima (Agriculture), yezveTsika (Arts), yezveMari nekutengeserana (Commerce), yezveHutano (Health Sciences), yezveDzidzo (Education), yezveHumhizha (Engineering), yezveMutemo (Law), yezveSainzi (Science), yezveMagariro (Social Studies), neyezveKurapwa kwemhuka (Veterinary Science).