Mount Darwin, Zimbabwe

Mount Darwin iguta riri kumusoro kweZimbabwe. Pane makiromita 156 kubva muHarare kusvika muMount Darwin. Vanhu veko vanotaura mutauronyina weShona unonzi ChiKorekore.

Zvinofungidzirwa kuti Mount Darwin ndiyo imwe yenzvimbo dzekutanga kushandirwa nemamishenari mudunhu rezasi kweAfrica nemuPutukezi aive muKatorike ainzi Gonçalo da Silveira, akasvika mugore ra1560 uye akazourayiwa muna March 1561 pedyo neMount Darwin mushure mekunetsana nemumwe wemadzishe emo.[citation needed]. Mount Darwin yakapihwa zita rayo nemuvhimi wechichena aivewo mufambi anotsvaga hupfumi ainzi Frederick Courtney Selous rinova zita raCharles Darwin, uyo aizivikanwa nenyaya dzekuita tsvakurudzo yekwakabva vanhu nezvisikwa.

Vanhu vane mukurumbira muZimbabwe vanobva kuMount Darwin ndiMai Joice Mujuru, Oliver Mtukudzi, Ignatius Mabasa naSaviour Kasukuwere. Mai Mujuru vaiva mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeZimbabwe VaRobert Mugabe. Oliver Mutukudzi muimbi nemuridzi wemagitare, Ignatius Mabasa munyori wemabhuku uye Saviour Kasukuwere igurukota muhurumende yeZanu PF.

Mount Darwin inzvimbo inowanikwa chipatara chine mukurumbira cheKaranda Mission Hospital. Vanhu vekuMount Darwin vanozivikanwa nekurima, asi vavewo kuraramawo nekuchera goridhe muhova dziriko.

Kana uchida kushanyira nzvimbo yeMount Darwin, unokurudzirwa kuti unge wakazvidzivirira kubva kuutunga kana umhutu nekuti kune dambudziko rechirwere cheMarariya zvikuru.