Chikorekore mutauro weChishona/Chivanhu unowanikwa kumusoro kweZimbabwe kumatunhu anosanganisira Mount Darwin, Guruve, Muzarabani, Mukumbura, Hurungwe neGokwe. Chikorekore chakazvarwa kubva paChikaranga, Chitavara ne Chitonga kare, munguva yakauya Nyatsimba kunogara pakati peVatavara uye neVatonga mushure mekutiza Togwa Mukwati akundwa naye pakugwira chigaro choumambo.

Bumbiro re mabhi chinjirudza

Zvinzvovera chinjirudza

Zvinzvovera kana zvivaramwana zveChikorekore ndezvimwechete ne zvemimwe mitauro ye Chivanhu.

a e i o u
anyoko enda

Muenzaniso weMusiyano chinjirudza

Mazwi aya mienzaniso yezvinganzwikwa pakutaura ChiKorekore.

Chizezuru Chikorekore
handina handinai
hapana hapanai
mumwe wangu mabiyangu
kusvikira Harare mupaka Harare
ndinotya ndinetya, ndinecha
ndinoda ndineda
kudenhana kunyon'orana
kuteerera kutetekera
gogoi hodhi
miromo hwabvu
Muenzaniso chinjirudza

huzveverere = emotions (Gova; mutauronyina weKorekore) musvavembasvi = = schemer (shungwe; mutauronyina weKorekore)

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaDigo vanoti kolekole (turkey) kureva ngarikuni.
  • MaZulu vanoti huluba (1. Destroy, 2. Act greedilv. 3. Go stealthily, steal along) kureva muparadzi.
  • MaZulu vanoti amahuluba (Voracious person or animal).