Nyatsimba Mutota
|
Nyatsimba Mutota (c.1400-1450) kana Mwenemutapa Nyatsimba Mutota aive muvambi uye mutongi wekutanga weUmambo hweMutapa. Mambo Mutota aive mwanakomana waMambo weUmambo hweZimbabwe nyika yaive kumaodzanyemba eMasvingo, uye ndiko kwaakazvarwa. Mugore ra1430 akasika Umambo hweMutapa akava mutongi wekutanga kusvika paakafa. Humambo hwake hwaive hwakabatana nezvikamu zvechamhembe cheZimbabwe yanhasi, nemaodzanyemba-pakati peMozambiki yanhasi. Pasi pekutonga kwake, Mutapa yakatanga nguva yekuwedzera kwemauto uye kukunda kwenzvimbo kusvika kuGungwa reIndiya, yakazoteverwa nemwanakomana wake Matope mushure mekufa kwaMambo Mutota muhondo pakati peZanagore 15.[1]
Vambo rezitaEdit
MutotaEdit
- Izwi rokuti tota (mend or seal a hole using some beeswax) rinotaurwa kuChikalanga richireva kunama nendamo yenyuchi. Mutota izita raShe ainzi Nyatsimba Mutota.
MweneEdit
- Iro shoko rekuti 'mwene' rinoreva kuti 'owner' kana 'conquerer'. Raishandiswa munguva yeMutapa richishandisirwa Madzimambo enguva yekutonga kweEmpire yeMutapa. Saka shoko rekuti Mwene ririkushandiswa kumirira kuti 'emperor'.
Hunhu neTsika dzakeEdit
Mambo Mutota waibva kuDzinza reMakaranga rinokandwa pazasi pezwi rekuti Shona mutsika dzanhasi.
MhuriEdit
Vabereki wa Mwenemutapa Mutota waive vatongi weUmambo hwe Zimbabwe, Mambo Mutota na Mambokadzi Mutota. Mutota anonzi akaroora vakadzi vakawanda mushure mekusika uye kutonga umambo hwake, Mutapa. Uye pavana wake panemuwechete anozivikanwa nokuti ndiye akamutevera pakutonga, anozivikanwa saNyanhehwe Matope.
ChiutoEdit
Zvakanyorwa kuti Muchinda murwi anonzi Nyatsimba Mutota anobva kuHumambo hweZimbabwe akatumwa kunotsvaga matsva emunyu kuchamhembe. Muchinda Mutota akawana munyu wake pakati peTavara, dunhu reVashona, vaive vavhimi vakakurumbira venzou. Vakakundwa uye guta guru rakagadzwa makiromita mazana matatu kuchamhembe kweUmambo hweZimbabwe kuZvong'ombe naZambezi. NaMutota semutongi, Humambo hwakapfuura nyika yevabereki uye ndokuva simba rakakura mudunhu iri, ichichengetedza kuzvimiririra kubva kune ane simba Vatorwa vechiPutukezi muMozambiki. Humambo hwaMutota hwakaramba huripo kusvikira, muzana ramakore rechi17, kukwikwidzana pakati pePutukezi neUmambo hweRozvi (kuzivisa kubva kwenzvimbo yeZimbabwe (Zimbabwe Plateau) kwakazvarirwa Mutota) kwakaparadzanisa.
RudaviroEdit
Mambo Mutota aivimba munaMwari weVashona wavaidana nemazita akasiyana asiMwari ndiro zita raishandaswa kazhinji.
Umambo hweMutapaEdit
Umambo hwe Mutapa, Ubwami hwe Mutapa uye Mwenemutapa ibwami/hwami yakasikwa nekutongwa na Nyatsimba Mutota aive mwanakomana we Mambo weUmambo hwe Zimbabwe. Ubwami uhwu hwakatanga kudanidzwa uchinzi Mwenemutapa nekuda kwedumidzo raipuhwa vatongi varo, Mwenemutapa zvichireva mwene we mutapa (owner of the mines, kana wo lord of the mines) nekuti Mwenemutapa waive Ubwami waitapa mabwe kana simbi dzakakosha chaizvo senge ndarama, ngoda, utare nezvimwe wo.
RufuEdit
Mutota anofungidzirwa kunzi akafa mugore ra 1450 muZanagore rechi 13 uye akavigwa munyika inozivikanwa nhasi seZimbabwe.
MuzandisavapoEdit
Muzandisavapo ishoko ririkushandiswa kuturukira shoko rokuti "successor", kureva mutongi akamutevera. Shoko iri ririkubva pashoko rokuti Muzandiripo, iri ishoko reChishona rinoreva kuti "predecessor". Pakufa paMwenemutapa Mutota mwanakomana wake Muchinda Matope Nyanhehwe Nebedza ndiye akatora chigaro choumambo akatonga Ubwami hwe Mutapa (empaya ye Mutapa).
Mutsika dzanhasiEdit
Vhidhiyo gemuEdit
Civilisation V CustomisationEdit
Nyatsimba Mutota muvhidhiyo gemu akasikwa naSukritact,[2] nemipiro kubva kuReedstilt naPouakai.
Iyi modhi inoda Nyika Itsva Yakashinga. Nyatsimba Mutota! Wadaidzirwa, zvakare zvakare, kudzivirira nzira dzekutengeserana kubva kune avo vaizotora kubva kuVaShona. Unogona here kupa budiriro uye chengetedzo kuvanhu vako? Iwe unogona here kudzikamisa zvakadzika zveOfiri, izvo zvakaramba zvakavanda kwenguva yakareba zvakadaro? Iwe unogona kuvaka budiriro inomira muyedzo wenguva?[3]
Vatungamiriri neLastSword
Nhanganyaya: "Titambire! Ndini Nyatsimba Mutota, Muchinda akarasika. Wanzwa sei nezveZimbabwe?"Nhanganyaya: "Nyatsimba Mutota anokudzwa kusangana newe nehupfumi hwako. Sei tisingatarise mutambo uyu nemutambo! Vamwe vachitamba! Uye pamwe gare gare ... nzira yekutengesa!"
Kukundwa: "Ofiri rapunzika. Shiri dzemuZimbabwe dzasiya dzese. Kana ukandiuraya unenge waparadza vanhu vangu vese vakasara."
Kukundwa: "Nyatsimba Mutota achakupinza pachivande! Ndatengesa zvese kure! Minda yangu haina maturo kwauri!"[3]
Mitauro yeBantuEdit
- VaFipa vanoti a'lu:tota (to stab) kureva kubaya nebanga kana pfumo. Chuwabo vanoti otota (v. hunt) kureva kuvhima.
- VaWabo vanoti nyamatota (n, hunter) vachireva muvhimi. VaTakwane vanoti namatota (n. fisherman) vachireva muredzi.
- VaKongo vanoti tota (arrow) vachireva museve. VaKongo vanoti tota (go up, ascend, climb) vachireva museve.
- VaRundi vanoti gutota (to sprinkle medicine to protect from evil). VaRundi vanoti gutota (go along right in path of animals; to not be side tracked).
Mabviro eruzivoEdit
- ↑ https://peoplepill.com/people/nyatsimba-mutota/ Yakatariswa: 13 Chikunguru 2021
- ↑ https://forums.civfanatics.com/threads/more-civilisations.494241/ Yakatariswa: 27 Chikumi 2021
- ↑ 3.0 3.1 https://civilization-v-customisation.fandom.com/wiki/Zimbabwe_(Nyatsimba_Mutota)_(LastSword) Yakatariswa: 27 Chikumi 2021