Igwa
Igwa (boat) zvinoreva mudziwo unoshandiswa kufambisa vanhu kana nhumbi nemamusoro pemvura. Magwa anonyanya kushandiswa kufamba munzizi nenyanza uye mugungwa munzvimbo dzisina mafungu akanyanya.
![](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/3/34/Boating_in_fair_weather.jpg/250px-Boating_in_fair_weather.jpg)
Mazuvano magwa anogadzirwa nesimbi kunyanya aluminium nokuda kwekuti hairemi asi anokwanisawo kugadzirwa nematanda.
Bhaibheri muna Isaiah 18:1-2 rinotaura pamusoro pevanhu vaiva kumhiri kwenzi dzeEthiopia richiti, "....inotuma nhume nenzira dzegungwa namagwa enhokwe....". Kureva kuti vanhu muAfrica vaigadzira magwa enhokwe karekare.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- VaHerero vanoti otyi-tumbure (n. rudder).