Tarisai futi Magungwa e pasirose

Gungwa.
Magungwa e pasirose

Gungwa (Chirungu: ocean) muchidzidzo taranyika izwi rinoreva nzvimbo dzakakurisa dzinochengeta mitumbi yemvura yakawanda samare, iyi mvura iri mugungwa inowanikwa iine munyu zvokuti hainwike. Magungwa makuru anosanganisira Gungwa reIndiya, Gungwa rePasifiki, ne Gungwa reAtirandiki, Gungwa rekuChamhembe ne Gungwa reAkitiki.

Kana uso hwePasirose hwapimwa panoonekwa kuti chikamu che 71 pazana (71%) chakafukidzwa nemvura yegungwa.

Mamwe mashoko chinjirudza

  • Chikuva cheGungwa (seabed) - mazwi aya ari kuumbwa pachinyorwa chino kududza pavhu riri pasi pegungwa. Iro izwi rokuti guva (floor, dusty sitting place) rinoreva pasi patinotsika kana kugara.
  • Menderekedzo, mhendero gombe kana mahombekombe (shore) zvinoreva chikamu chenyika chiri pedyo uye chakabatana negungwa, rwizi kana nyanza.
  • Chipforo chegungwa (Seashore, coast) (Genesis 49:13 Bhaibheri reChindau)
  • Muchenga (Sand, Beach) iri izwi rinoreva jecha kuChichewa asi pano riri kushandiswa kuturikira beach. Izwi rokuti rushesha rinoreva jecha, asi pano riri kushandiswa kuturikira chinonzi beach kuChirungu nokuti beach rinotaurwa pane jecha. Pahombekombe pasina jecha, hapana beach.
  • Guva reGungwa (Sea floor) iri izwi riri kushandiswa kuturikira pavhu pasi pegungwa.
  • Yesu vakatsiura bhahari rikadzikama pakare pakare - Jesus rebuked the sea and it became calm right away.
  • Bhahari (sea) raive shoko rekudhara raishandiswa kumirira rinonzi 'sea' muChirungu. [1]
  • Ruandhle[2] (sea, ocean, marine) ishoko reChindau rinomirira zvose kuti bhahari uye gungwa, asi richange richishandiswazve kumirira chinonzi marini kuChishongrish kutora shoko reChingezi marine.

Mitauro yeAfrika chinjirudza

  • Tonga inoti kunga (in front of) kureva kuunganidza. VaMaconde vanoti kukunga (collect, gather together) vachireva kuunganidza.
  • VaTonga vanoti lwanze (n. sea) kureva gungwa. VaBarawani vanoti tawala (ocean;sea) kureva gungwa.
  • Lozi inoti -kunga (v.t. to gather, to collect, to muster) kureva kukunga. Kikongo inoti kunga (v. to gather together).
  • Barotse vanoti -kunga (v.t. to gather, to collect, to muster). Mamwe Mazwi - kungile, -kungushula kana kungushuzi
  • Herero inoti oku-vare (n. ocean;sea) kureva gungwa. Mamwe mazwi: omu-vare (n. sheet of water). Hadiyya inoti dambala (n. sea, ocean) kureva gungwa.

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. 'A vocabulary of the dialects of Mashonaland in the new orthography' Peji 2. Yakatariswa: 23 Chikumi 2021 Muchinyakare pakabharwa (nyorwa) nwadhi (bhuku) iri mabhii eChishona akange akasiyana - Shona Wiki., "Chishona: Mabhii ekare"
  2. https://revisionnotes.co.zw/topic/shona-ndau-word-ruandhle-meaning-in-english