Tarisai futi Mabhahari e pasirose, uye Magungwa e pasirose

bhahari

Bhahari [1][2] (kana muChingezi: sea) ishoko reChishona rakabva kuChiarabhu nekuda kwe Chiswahiri rinoshandiswa kusiyanisa gungwa (ocean) ne iro bhahari (sea). Bhahari rakakabatana segungwa re pasirose kana gungwa basi, uye ndiro mwiri wemvura une munyu unovhara 71 huwandu hwe Rinopasi rese. Izwi rekuti gungwa rinoshandiswawo kureva zvikamu zvechipiri zvegungwa, zvakaita seBhahari re Medhiteraniya, pamwe nemamwe makuru, akavhara zvachose, madziva emunyu, seBhahari re Kaspiya.

Zita chinjirudza

Zita rekuti bhahari rakabva kuizwi reChiarabhu, rekuti bahar (بهار) asi nekuti mazwi echishona haaperi asina zvinzvovera, panowedzerwa 'i'.

Izvi zvinogona kunge zvakaitika muchinyakare, paisangna Vashona neVaswahiri uye Vaarabhu pavaigovana zvinhu. Izwi rinowanikwa ku Chiswahiri futi, vakaritora kubva kuChiarabhu wo, uye vanowedzera 'i' sezvinoita Vashona. Pamusoro pezvo vanorishandisa kutaura nezve gungwa uye ne iro bhahari, asi vanoti bahari kuu (bhahari kuru) vachireva gungwa, vozoti bahari chete vachireva bhahari.

Mabhahari e nyika chinjirudza

Chinyorwa chikuru chiri ku: Udorongodzwa hwe mabhahari

Mubhaibheri chinjirudza

Yeshua vakatsiura bhahari rikadzikama pakare pakare - Jesus rebuked the sea and it became calm right away.

Mamwe mapeji ekutarisa: chinjirudza

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. George Fortune, 1930, 'A vocabulary of the dialects of Mashonaland in the new orthography' Peji. 2., Bertram H.Barnes, C.R., London, The Sheldon press, Northumberland Avenue W.C.2, University of Florida Libraries.. Yakatariswa: 23 Chikumi 2021 Muchinyakare pakanyorwa) nwadhi (bhuku) iri mabhi eChishona akange akasiyana - Shona Wiki."Chishona: Mabhi ekare"
  2. Duramazwi re Vashona, 11 Gumiguru 2019, "Bhahari" Rakatariswa: 2021-2022