N'Ko (Chin'ko:ߒߞߏ‎ ) ikeruro yakagadzirwa na Solomana Kante muna 1949, senzira yekunyora mitauro yeMandin'i yekuMadokero eAfurika.[1][2] Shoko rekuti N'Ko, zvinoreva kuti Ndoti/Ndinoti mumitauro yese ye chiMandin'i, rinoshandiswa wo se keruro yekunyoresa yeMandin'i mumagwaro akanyorwa ne N'Ko.

N'Ko

ߒߞߏ

Mhando ye Keruro Bumbiro re mabhi
Musiki Solomana Kante
Mukowo we nguva 1949ikozvino
Rudzivo Keruro ye kurudyi-kuruboshwe
Mitauro N'Ko,

chiMandin'i

ISO 15924
ISO 15924 Nkoo, 165 , ​N’Ko
Yunikhodhi
Yunikhodhi alias NKo
Renji ye yunikhodhi U+07C0–U+07FF

Keruro iyi ine zvakafanana neeChiarabhu, kunyanya rudzivo hwaro (kurudyi-kuruboshwe) uye mabhii akabatana pazasi. Yakazosiyana ne Chiarabhu, nekuti mukunyora inofanhirwa kumakwa inzwi ne manzvovera. Manzwi eN'Ko anomakwa se madhiyakiriti (diacritics), nenzira yakafanana nekumakwa kwemamwe manzvovera muChiarabhu.

Mabhii chinjirudza

The N'Ko script is written from right to left, with letters being connected to one another.

Keruro ye chiN'Ko inonyorwa kubva kurudyi kuenda kuruboshwe, ine mabhii akabatanidzwa kune rimwe nerimwe.

Manzvovera chinjirudza

ɔ o u ɛ i e a
ߐ‎ ߏ‎ ߎ‎ ߍ‎ ߌ‎ ߋ‎ ߊ‎

Manzvanyira chinjirudza

r t d t͡ʃ

(ch)

d͡ʒ

(dz)

p b
ߙ‎ ߕ‎ ߘ‎ ߗ‎ ߖ‎ ߔ‎ ߓ‎
m gb l k f s rr
ߡ‎ ߜ‎ ߟ‎ ߞ‎ ߝ‎ ߛ‎ ߚ‎
ŋ

(n')

h j w n ɲ

(ny)

ߒ‎ ߤ‎ ߦ‎ ߥ‎ ߣ‎ ߢ‎

Manzwi chinjirudza

N'Ko inoshandisa mamaki edhiyakiriti 7 ekuratidza inzwi uye kureba kwenzvovera. Pamwe chete ne manzvovera asina chinhu, N'Ko inosiyanisa manzwi mana: rakakwira, rakadeerera, rinokwira, uye rinodonha; uye kureba kwe manzvovera maviri: refu uye pfupi. Zviratidzo zvisina kunyorwa zvinoratidza manzvovera mapfupi, anodzika.

rakawira rakadeerera rinokwira rinodonha
pfupi ߫‎ ߬‎ ߭‎
refu ߯‎ ߰‎ ߱‎ ߮‎

Manumeri chinjirudza

0 1 2 3 4 5 6 7 8 9
߀‎ ߁‎ ߂‎ ߃‎ ߄‎ ߅‎ ߆‎ ߇‎ ߈‎ ߉‎

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. Eberhard, David; Simons, Gary; Fennig, Charles, eds. (2019). "N'ko". Ethnoloque. Retrieved June 12, 2019.
  2. Oyler, Dianne (Spring 2002). "Re-Inventing Oral Tradition: The Modern Epic of Souleymane Kanté". Research in African Literatures. 33 (1): 75–93. doi:10.1353/ral.2002.0034. JSTOR 3820930. OCLC 57936283. S2CID 162339606.
  3. Tarisai peji rinonzi kunyora