Kumhanya
Kumhanya (running) zvinoreva kukanda tsoka imwe pamberi peimwe uchiita izvi nokukasira.
Mamwe mashoko
chinjirudza- Dovo kana dowo (act of running). Ita dovo.
- Tarisai mudovodzanwa.
- Kunzunzuta kana kudorinha zvinoreva kumhanya zvishomane kunonzi trotting kuChirungu.
- Kurumba, kukwirima zvinoreva kumhanya.
- Kumhiniminika (run as fast as possible) zvichireva kukwetura kana kumhanya zvakasimba somunhu anomhanyiswa nembwa.
- Hwitikwiti (ideophone of 1. Running as fast as possible; 2. Turning over and over in the air as a stick thrown).
- Kuhwitikwidza (1. Cause to run as fast as possible; 2. Throw an object that turns over and over in the air).
Mitauro yeBantu
chinjirudza- VaRundi, VaRwanda neVaGwere vanoti kwiruka (run , take of, flee, hurry) vachireva kumhanya.
- VaRwanda vanoti kwirukana (to run after). Bunoge inoti dù:nù (v. run) kureva mhanya.
- VaTiriki vanoti khwirukha (to run away, to flee). Mamwe mazwi: khwirukha kalaha (run slowly). Khwirukha miriviri (run quickly). Khwirukha tsimbiru (run quickly from).
- VaYao vanoti kuutuka (to run). VaWabo vanoti aguva (hurry oneself).
- Kune chidawo chemutupo wemhofu chinonzi nyakuyiruka.