Kunyanga kana kunyangira (move stealthily towards something) zvinoreva kufamba zvinuyoronyoro uchienda kune munhu waunoda kubata saati akuona. Mhuka dzinovhima dzimwe dzinonyangira dzichisvika pedyo dzisati dzatanda mhuka yadzinoda kubata.

Chirevo chinjirudza

  • Wanyangira yaona.
  • Akaimba muimbi achiti: Sori zvako chokwadi, wanyangira yaona.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaDigo vanoti nyerereka (to walk unsteadily or with difficulty).
  • VaNyanja vanoti kunyangama (to steal along softly) kureva kunyangira.
  • Baila vanoti kunanaila (to walk stealthily; on tiptoe) kureva kunyahwaira.
  • VaMambwe vanoti -towa (to walk carefully, slowly being constantly on the look-out). Mamwe mazwi: -towa (to walk on tiptoes).