Shoko rokuti kuvinga (to come for) rinoshandiswa kutaura chikonzero munhu awuya panzvimbo yaauya. Somuenzaniso tingati "Jesu akavinga kuzoponesa vatadzi achivaregerera zvivi zvavo". Apa patotaurwa chikonzero icho Jesu vakauyira panyika. Munhu akabvunza kuti "Wavingeyi?" anenge ari kuda kuziva chawauya kuzoona, kuzotora, kunzwa, kuita zvichingodaro.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Lugwere inoti mubbingi (n. pursuer, chaser) vachireva mudzinganisi. Mamwe mazwi: mubbumbi (n. potter) kureva muumbi, muvumbi kana muwumbi.
  • BaRonga vanoti n'wingi kana vingi (v. daughter-in-law) vachireva muroora.
  • Chindali inoti biinga (v. hunt) kureva kuvhima. Mamwe mazwi: umubiingi (n. hunter) kureva muvhimi. Apa bii achidudzwa kunzi βii.