Shoko rokuti mbambo (peg or instrument used to fix in place) rinotaura chombo chinoshandiswa kukomera chimwe chiro panzvimbo kuti icho chepiri chisatsukunyuka kana kufamba kubva ipapo pachakakomerwa kana kutsvetwa. Mukutaura kwamazuva ose mbambo ingava hoko kana chipikiri chakakomerwa pasi kuti tendhe risazungunuka kana kuwa. Varwi vakaenda kuHondo yeChimurenga yeChipiri nechinangwa chokubvisa mbambo dzehutongi wehudzvanyiriri hwehurumende yaIan Smith - apa mbambo zvinotaura urongwa hwose hwakanga hwakaitwa nevachena nechinangwa chokudzvanyirira vatema. Mbambo dzehudzvanyiriri dzaisanganisira mitemo yenguva iyoyo; kugarisa vatema kwavo voga; kubhara vashandi veChichena mari yakadarika yeVatema; kugariswa kwevatema kunzvimbo dzinevhu risina kunaka nezvimwewo.

Kurerutsa Mutauro

chinjirudza

Mazwi eBantu

chinjirudza
  • Lunyoro inoti rubambo (a wooden peg used for stretching a skin) - zvichida vachireva mbambo.
  • Luwanga vanoti eshibambo (peg; stake, to which an animal may be tied).
  • VaNyoro vanoti bambula (to stretch a hide on the ground with pegs to dry it).
  • Umbundu vanoti ombambo (nail) kureva chipikiri.