Mhiti kana deke (Grysbok) kamhuka kaduku, kanonyara uye kanogara kega kachiwanikwa kumatunhu ari kuMabvazuva ekuChamhembe kweAfrica.

A Sharpe's grysbok in the Kruger National Park

Mhiti dzinowanikwa kuTransvaal (South Africa), Caprivi Strip (Namibia), Botswana, Mozambique, Zimbabwe, Zambia, Malawi uye kuTanzania neLake Victoria.

Chimiro chinjirudza

Mhiti ine mumhu wakaenzana nemhembwe pfumbu, asi iyo ine muviri mupamhi. Pakumira yakareba 20" (45–60 cm) pabandauko uye ine huremu hwunosvika 7–11.5 kg. Ruvara rweganda rayo rwutsvuku rune mawururwi machena. Maziso akakomberedzwa neruvara ruchena, uye muromo nemutsipa une ruvara ruchena. Muhwamba mayo mune ruvara ruchena zvakare. Mukono une nyanga pfupi dzakatarangana.

Bandauko (front leg, shoulder of animal).

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Baila vanoti timba (n. grysbuck or grysbok) kureva mhiti.