Ruambavabari
Izwi rokuti ruambavabari ari kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi genealogy kuEnglish. Ruambavabari chidzidzo pamusoro penhoroondo dzemadzinza, chinoronda mizera yemhuri idzi nenhoroondo yemhuri. Ana chinenavabari vanoshandisa hurukuro dzekubvunzurudza, zvinyorwa zvenhoroondo, wongororo yeropa, nemamwewo magwaro kutsvaga ruzivo pamusoro pemhuri uye kutaridza hukama hwenhengo dzemhuri. Zviwanikwa zvacho zvinotarwa mumachati kana kunyorwa serondedzero.
Pakutsvaga nhoroondo yemhuri dzavo nekwakabva vanhu vanosundwa nezvinhu zvakatsaukana zvinosanganisira: shungu dzekuda kuziva kuti ivo vari pachinzvimbo chipi muchamumbwa chemhuri; uye moyo wekuda kuchengetedza mugachidzanwa wevakare kuti vagachidzewo vana vavo; uye rudado rwekukwanisa kutaura nyaya yemhuri yavo zvakanatsa kuperera.
- Mubarirwana kana mibarirwana pakuwanda (generations).
Kupiwa kweZita
chinjirudza- Chivakashure ruamba chiri kushandiswa kuturikira chivakamberi logy chinowanikwa kuEnglish mumazwi anodudza zvidzidzo zvnoti: biology, geology, physiology etc.
- Chivakamberi cheEnglish chekuti -logy chinoreva a speaking, discourse, treatise, doctrine, theory, science".
- Genealogist rinenge roturikirwa kunzi chiambavabari.