Shoko anoti munyonhi kana kamunyonhi (humidity) rinoreva hunyoro hunowanikwa mumhepo yatinofema. Mhepo ine hunyoro hunowanikwa kana mvura ichinge yasasauka kubva pamadzinde anenge miti, huswa nemaruva kana kubva munzizi, nyanza negungwa.