Muchidzidzo cheTaranyika, mupata (valley) ishoko rinoreva nzvimbo iri pakaderera inotevedza rwizi. Nzizi dzinoyerera dzichitevedza nhika saka idzo nhika idzi ndidzo dzinonzi mupata.

Mupata

MuZimbabwe hova dzine mipata inotaurwa kunyanya dzinosanganisira: Zambezi Valley; Mazowe Valley; Save Valley neOdzi Valley. Izvi hazvirevi kuti dzimwe nzizi hadzifambe nemupata asi kuti vanhu vakapfumbidza mazita aya chete.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaChewa vanoti mpata kana mipata (a valley). VaMambwe vanoti mpata (a pass in mountain range, a gorge, ravine) kureva mupata.
  • VaYao vanoti chapata (a gate or entrance ; a pass or road between mountains).
  • VaGungu vanoti kihanga (n. valley) kureva mupata. VaGungu vanoisa h pamwe patinoisa p kuChiShona. Sokuti kuliha vachireva kuripa.