Mhuno

(runangakatsva kubva kuMutandamhuno)

Mhuno kana mhino (nose) inhengo yomuviri iri pachiso chemhuka dzine muzongoza yadzinofema nayo. Pamunhu mhuno iri pakati pechiso; mune dzimwe mhuka dzinoyamwisa mhuno iri pamusoro panoperera chimuromo. KuChiNdau vanoti miro.

Kubata kana kunzwa hwema hwechinhu kunonzi kukamba. Saka muvhimi anoti: Imbwa dzakamba hwema dzikatevera hwaenda mhembwe.

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • VaWabo vanoti puno (n. nose) kureva mhuno. Lomwe vanoti phuno (n. nose) kureva mhuno.
  • Kinande vanoti enindo (n. the nose). Mamwe mazwi: omuhuli (n. the nostril) vachireva nyengo yemhuno.
  • Vei inoti tanda (to be straight) kureva kutwasuka. Mamwe mazwi: tande (straight) - fananidzai nenyaudzosingwi yokuti tande.
  • Maconde vanoti mpuniko (n. cover, lid, stopper; dust-cover).
  • Bushong vanoti muoli (n. nose; nostril).