Mutero (tax, duty, license dues) zvinoreva Mari inobhadharwa pamusoro pemutengo wakatemwa wenhumbi, zvidyo kana basa rashandwa. Mutero Imari inozoenda kuhurumende - haisi mari inosara nemunhu ari kutengesa kwete. Mutero ndiyo mari inobhadhara mabasa anoitwa nemapazi ehurumende.

Mhando dzeMuteroEdit

  • Mutero weNhumbi neMishumo (Goods and Services Tax).
  • Mutero weMuhoro kana Mutero weVashandi (Income Tax).
  • Mutero weMotokari.

Mitauro yeBantuEdit

  • Baila vanoti mutelo (hut tax) kureva mutero.
  • Basotho vanoti muthelo (hut tax) kureva mutero.
  • Mururimi rweKikongo vanoti tela (to add a little more, put a little more than was bargained for) kureva kuwedzera pane zvatauriranwa mukutenga.
  • Mururimi rweKikongo vanoti ntelo (a little portion added to what is bargained for, make weight) kureva zvinowedzera pane zvatauriranwa mukutenga.
  • Barotse vanoti muketisi (n. in previous times a person appointed to fix tributes, royalties - (from: -keta) vachireva muteresi.