Muchidzidzo Pimanyika, nhooshanu (pentahedron kuChirungu) chiumbwa chemhando wenhoozhinji chine zviso zvishanu. Pakupiwa kwezita, zviso zvechiumba zviri kufananidzwa nenhoo; kuverengwa kwehuwandu hwemativi aya ndiko kunopa chiumbwa zita racho.

Zviumbwa zviviri zviri paboka iri ndezvinoti: Dumba reSkweya uye Zhumwi regonyonhatu. Boka rezviumbwa izvi zvinokwaniswa kuva gonyozhinji remachenzano, apa kureva kuti zviso zvacho zvinotodzana pakufanana uye kuenzana . Boka irori rinoitawo zviumbwa zvisina muchenzano wezviso, apa kureva kuti zviso hazvitodzani pakuenzana kana kufanana.


Nhoozhinji ine zviso zvisina kuchenzana inonzi nhoozhinji isakachenzana - irregular polyhedron.


Zita Mucherechedzo Zvisuvi Micheto Zviso Mhando yezviso
Dumba reSkweya
(Mhuri yedumba)
5 8 5 4 gonyonhatu
1 skweya
Zhumwi regonyonhatu
(Mhuri yeZhumwi)
6 9 5 2 gonyonhatu
3 skweya

Nhooshanu hainyanye kutaurwa sekutaurwa kunoitwa nhooina kana nhoosere.