Nhururwa (Outputs English) zvinotaura chero zvinhu zviri kubuda panharaunda iri kucherechedzwa.

  • Kana pari pakurima nhururwa zvinhu zvinosanganisira: goho rembeu dzingava chibage kana zviyo, nyama yezvipfuyo, mukaka nezvimwewo.
  • Kana pari pabhazi nhururwa ndiyo mari yabatwa uye kushandirwa kwaitwa vafamba parwendo nebhazi.
  • Zvacho zvinopinda panharaunda iyi zvinonzi nhutirwa.
  • Hukama huripo pakati penhutirwa nenhururwa hunotsanangurwa nemunangatire.


Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Shoko rokuti nhururwa rinotodza mashoko anoti kudurura, kuturura kana kuturuka. Kuturura zvinoreva kuburutsa kana kubvisa zvinhu panharaunda iri kucherechedzwa, iri kutaurwa nezvayo. Kuturuka zvinoreva kuburuka kana kudonha sokunaya kunoita mvura.
  • Shoko ndiro rimwe kuti nhururwa paumwe nepakuwanda.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaDigo vanoti turuka kana kutoka (to come out) kureva kubuda.