Nhodzeri f inotora an nhutirwa x, yobuditsa nhururwa f(x). Chimwe chirevo chinotsanangura nhodzeri somuchina unotora nhutirwa uchibereka nhururwa

Nhutirwa chinjirudza

Nhutirwa (Inputs in English) zvinotaura chero zvinhu zviri kupinda panharaunda iri kucherechedzwa.

Shoko rokuti nhutirwa rinotodza rokuti kututira rinoreva kupinza zvinhu panharaunda iri kucherechedzwa iri kutaurwa nezvayo. Zvacho zvinobuda panharaunda iyi zvinonzi nhururwa.


Nhururwa chinjirudza

Nhururwa (Outputs English) zvinotaura chero zvinhu zviri kubuda panharaunda iri kucherechedzwa.

  • Kana pari pakurima nhururwa zvinhu zvinosanganisira: goho rembeu dzingava chibage kana zviyo, nyama yezvipfuyo, mukaka nezvimwewo.
  • Kana pari pabhazi nhururwa ndiyo mari yabatwa uye kushandirwa kwaitwa vafamba parwendo nebhazi.

Shoko rokuti nhururwa rinotodza mashoko anoti kuturura kana kuturuka. Kuturura zvinoreva kupiburutsa kana kubvisa zvinhu panharaunda iri kucherechedzwa iri kutaurwa nezvayo. Kuturuka zvinoreva kuburuka kana kudonha sokunaya kunoita mvura. Zvacho zvinopinda panharaunda iyi zvinonzi nhutirwa.


Nhodzeri chinjirudza

Hukama huripo pakati penhutirwa nenhururwa hunotaurwa kuburikidza nekunyorwa kwenhodzeri yacho.


Nhodzeri yoga-yoga ine nhekairo dzakazvimirira nenhekairo dzinotevedzera.