Njiri kana dhawani (warthog in English) imhuka yemusango iri mumhuri yenguruve. Mhuka iyi inozivikanwa nezvinyanga zvipfupi zviviri zviri pamuromo payo. Njiri haisiyo yatinoti nguruve yemusango; iripo imwe humba yakafanana zvanyanya nenguruve dzinopfuyiwa pamba.

Njiri inodya huswa; michero; mwakwati emiti; mazai nezvimwewo. Munguva yokunaya kwemvura njiri dzinodya zvisora zvipfupi zvirarama gore negore. Munguva yekutonhora mhuka idzi dzinodya midzi yemiti, nezvimabumbe zvinokura muvhu.

video
  • Mwana wenjiri anonzi chinjerete.

Mazwi eAfrika chinjirudza