Nyadzi (shame) zvinoreva zvinonzwa munhu mupfungwa kana mumoyo panenge paitwa zvinhu zvinobvisa chimiro. Heino mienzaniso yekuita kungakonzera nyadzi:

  • kutaura zvisina maturo, zvinoita kuti vanhu vatsikitsire vachikunyarira,
  • kutaura zvinonyangadza, zvingava zvinyadzi kana mashoko anotaridza kusafunga, hutsinye kana kushaya hanya nevamwe,
  • kutaura neEnglish pavanhu vaunoziva kuti havagone English, kana vawakafanira kuziva kuti havachigone.
  • kudoma nhengo dzepabonde nemazita zvisinei kuti ndiani ari kunzwa,
  • kutukana nevanyarikani - sokuti mukuwasha naAmbuya vachitukana,
  • kurwa zvibhakera pakati pemwana nemubereki.

Mamwe Mazwi chinjirudza

Tsumo chinjirudza

  • Nyadzi dzinokunda rufu.

Mazita chinjirudza

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaLozi vanoti buinyefuli (n. manner of bringing shame upon oneself). (from: -nyefula). Ko kamunyebvurira zvinorevei?
  • VaLozi vanoti -nyefula (v.t. to blaspheme; to be abusive, to revile, to speak badly of; to swear at).
  • VaLozi vanoti nyefulo (n. insult, blasphemy, abuse of language).