Munyani
(runangakatsva kubva kuNyani)
Munyani kana mugoriondo (n. Friesodielsia obovata) muchero unowanikwa muZimbabwe unoibva uine ruvara rutsvuku. Muchero uyu unotapira pamwe nekuvavirira. Mudunhu reMadziva kuMashonaland Central muchero uyu unowanikwa uchikura mugomo munzvimbo dzine matombo.
Mamwe Mazita
chinjirudza- Mamwe mazita unonzi: muchinga kana mushinga (n. Northern dwaba-berry).
- Magwingwiziri kana makwingwizhiru?
- Makunguzhuru, mavunguvungu, mabvungubvungu kana makodzombo.
Mitauro yaAfrika
chinjirudza- IsiNdebele vanoti amavunkuvunku kana Umkonzombo (n. Popowia obovata) kureva nyani.
- ChiTonga vanoti nkukuma kureva nyani.