Ruware

(runangakatsva kubva kuNzware)

Muchidzidzo cheTaranyika, ruware ( flat, low rock outcrop) idombo rinovhara nharaunda huru asi risina hudzamu kana kukwirira kwakanyanya. Nzvimbo yeruware inoshandiswa kuyanika zvirimwa zvakohwewa kuti zviome. Pahuzhinji zvinonzi maware kana nzware.


Chitendero chinjirudza

Mundima iri pana Matthew 16 Peter achitaura pamusoro paJesu anoududza chidzidzo chakakosha chokuti "(Jesu) ndivo muzodziwa nomuponesi mwanakomana waMwari Mupenyu". Ivo Jesu vanomupindura vachiti "Ndinoti kwauri ndiwe Peter, paruware urwu ndichavaka Kereke yangu, masimba ehedhesi haatongo ikurira". Apa ruware rwairehwa ndicho chizaruro chakauya kuna Peter chokuziva nokugamuchira ivo Jesu saiye muzodziwa waMwari nemuponesi wenyika.

Rujekese (stony place).

Mazwi eBantu chinjirudza

  • VaMambwe vanoti cilwala (a large flat rock or stone) kureva ruware.
  • MaZulu vanoti ilidwala kana amadwala (Large, flat, exposed rock) kureva ruware.
  • VaYao vanoti lwala (a layer of rock) - zvichida izwi iri rinotodzana nokuti ruware?
  • VaYao vanoti chitambala (a large flat rock). VaGungu vanoti lubbaali, mbaali (n. rock).