Rubefuro rweNyere ari kushandiswa pano kuturikira chinonzi Cellular Respiration kuEnglish.

Paunofema unotora oxygen nefemo rimwe nerimwe uye unoburitsa carbon dioxide nefemuro rimwe nerimwe. Kuposhana kwegasi uku kwakakosha parubefuro nokuti rubefuro chiitiko chinotora mishonga iyoyi. Zvinyanhengo zvose kubva pabhakitiriya, coral rhifi nenzou zvinoita rubefuro.

Zvidyo zvinopinda mumuviri mushure mekuwoteswa kwezvidyo, zvichibva zvashandiswa kugadzira simba rekuti mitezo ifambe uye kuita zvose zvinodiwa zviri maererano ne Chironzo cheMuviri. Rubefuro chiitiko cheMishongamhenyu chinoti nyere dzezvinyanhengo zvinowana simba nokumbundanidza oxygen neglucose, zvichikonzera kuburitsa carbon dioxide, mvura uye ATP.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaBemba vanoti mpemo (n. respiration) kureva rebefuro kana mufemo.
  • VaBemba vanoti pema (v. respire) kureva kubefura kana kufema.