Rusape iguta diki riri muZimbabwe. Rinowanikwa mudunhu raMakoni muManicaland nechekumabvazuva eZimbabwe. Rinowanikwa 170 km kubva muHarare guta guru reZimbabwe mumugwagwa A-3 unobatanidza Harare neMutare. Rusape iri 1,410 m pamusoro penyanza.

Rusape iguta diki harisati rasvika pakuve guta. Vanhu vazhinji vanogara muVengere iri township huru maRusape. Matownship mamwe akavakwa kubva pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere, anoti Mabvazuva ne Tsanzaguru.

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • VaKongo vanoti mvengele (n. famine).
  • VaDigo vanoti chitsapi (unproductive, infertile, barren - used of soil only) kureva ivhu risina kudya.
  • VaUmbundu vanoti sapi (sound of water rushing) zvichireva ruzha rwekuyerera kwemvura.
  • VaMambwe vanoti sape ( the buffalo-bean. A climbing plant with pods covered with brown down, causing intense itching when touched) zvichireva gwenzi rarehwa neEnglish.