Rwatata
Rwatata, changaira kana findi (pancreas) inhengo yemuviri inowanikwa pamutandiro unoseredza zvidyo (digestive system) inowanikwa mumhuka dzine muzongoza. Pamunhu inowanikwa seri kwedumbu. Rwatata ndiro runogadzira shongamuviri (hormones) yakakosha inosanganisira insulin, glucagon, somatostatin, uye pancreatic polypeptide iyo inotenderera neropa. Rwatata inengo yedandira reseredzero inofarutsa pancreatic juice iyo ine enzayimi dzinobatsira kuseredza chokudya uye kunyatira kwekudya muhura hutete. Enzayimi idzi dzinobatsira kudimbura mhando dzezvikafu zvinoti carbohydrates, proteins, uye lipids.
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Kunzeneneka kana kutsenenedza (squirt in a small stream). Mvura yakanzeneneka mupombi. Kuda izwi iri ringashanda kuturikira chinonzi secretions kuEnglish.
Mitauro yeAfrika
chinjirudza- C'lela vanoti byàtàtà (adv. fanned out, spread, opened out).
- VaAdele vanoti watata (adv. wide, vast) kureva kutambanuka.
- Kikongo inoti nswatata (n. a long oval, oblong).
- Dinka inoti tak (n. spleen; pancreas).