Muchidzidzo cheMasvomhu sengende (vector in English) zvinoreva chiyero chinopimwa nehuwandu zvose nerudzivo. Mienzaniso yezviyero zviri pamupanda wemichovha ndezvinoti: fosi, rufangu, muchacha, nhambwe yasudurukwa. Chinhu chakakosha kuziva rudzivo rwuri kufamba narwo zviyero zvakaita seizvi.

Shoko reEnglish rokuti vector rinoreva that which carries or that which transports ndiro radudzirwa pano kuti rinzi sengende kuChiShona.

Muenzaniso chinjirudza

[[Image:Distancedisplacement.svg|thumb|336px|Nhambwe yasudurukwa huwandu hwemhando yesengende.

Muenzaniso wakanaka ndewemusiyano uripo pakati penhambwe njee isinei kuti kwafambwa kuchiendwa nekupi uye nhambwe yasudurukwa ine rudzivo. Somuenzaniso kana tichibviwa kuHarare kuenda kuVictoria Falls mugwara resengende kazhinji kunotevedzwa nzira yokuBulawayo, ndokuzokwidza kubva Bulawayo kuenda Victoria Falls. Tikazvitarisa Victoria Falls iri kuMadokero kweHarare, asi rwendo urwu rwunomboenda kuchamhembe pedzezvo rwozokwira kuenda kuMaodzanyemba kwakadziva kuMadokero.

Kana kuchitevedzwa mutsetse wakatwasuka nhambwe iri pakati peHarare neVictoria Falls inokwana 551 km - iyi ndiyo nhambwe yasudurukwa iri kutaurwa pano - ndiyo nhambwe inoda kunoenzana neinofambwa nendege mudenga. Asi kana tichitevedza mugwagwa nokupoterera kwayo nhambwe iri pakati peHarare neBulawayo inokwana 441 km; nhambwe iri pakati peBulawayo neVictoria Falls inosvika 439 km. Saka zvinoreva kuti kana kwatevedzwa mugwagwa iyi kunofambwa nhambwe inokwana kusvika 880 km kubva Harare kunobata Victoria Falls.