Solomon Mujuru igamba rehondo yeChimurenga yakarwiwa nechinangwa chekusunungura nyika yeZimbabwe kubva kuutongi hweudzvanyiriri hwevarungu vakabva kuBritain..

Solomon Mujuru, aizivikanwa nezita Rex Nhongo (May 1, 1949 – August 15, 2011) akanga ari mutungamiri wemawuto mu Zimbabwe vakazova mubati wematongerwo enyika. Murume uyu akatungamira mawuto muhondo yechimurenga. Mushure mekunge nyika yasunungurwa vakatungamira mawuto e Zimbabwe. Vakazosiya chiwuto vakapinda mune zvematongerwo enyika vari mumiriri wedunhu re Chikomba vachibata nebato re Zanu PF.

Solomon Mujuru akawanikwa akafa mumba yaaigara papurazi rake kuBeatrice. Hazvisati zvavivikanwa kuti chii chakakonzera moto uyu utange.

Murume uyu aive akaroora Joice Mujuru anova Vice President wenyika yeZimbabwe