KiZaramo

(runangakatsva kubva kuVaZaramo)

Kizaramo mutauro weBantu unowanikwa kuTanzania kumahombekombe pedyo neDar es Salaam. Vatauri verurimi urwu vanonzi WaZaramo kana Mzaramo paumwe. Nhoroondo yeVaZaramo inoti madzinza avo akabuda kubva kuVaKutu neVaGuru mumakore ekuma 1700. VaZaramo vanoronda madzinza ava nekudivi remadzimai.


  • WaZaramo vanoti nyabu (n. baboons) vachireva makudo.
  • VaZaramo vanoti pala kana ditwi (n. head) vachireva musoro.
  • VaZaramo vanoti mtala (n. father's clan name) vachireva dzinza rababa.
  • VaZaramo vanoti mganga vachireva n'anga.
  • VaZaramo vanoti nanasi (n. pineapple) vachireva chinanazi.
  • VaZaramo vanoti m-ng’anda (n. house) vachireva imba.
  • VaZaramo vanoti tenda vino (do this) vachireva ita izvi.